Matthew 8

Jesu anoporesa munhu ane maperembudzi

1Wakati aburuka mugomo, zvaunga zvikuru zvakamutevera. 2Zvino tarira, kwakauya ane maperembudzi, akamunamata achiti: Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa. 3Jesu akatandavadza ruoko, akamubata, achiti: Ndinoda, natswa. Pakarepo maperembudzi ake akanatswa. 4Zvino Jesu akati kwaari: Ona kuti usaudza munhu, asi enda unozviratidza kumupristi, ubaire chipo Mozisi chaakaraira, chive uchapupu kwavari.

Jesu anoporesa muranda wemukuru wezana

5Zvino Jesu wakati apinda muKapenaume, kwakauya kwaari mukuru wezana, achimukumbirisa, 6achiti: Ishe, muranda wangu arere kumba wakafa mitezo, anotambudzika kwazvo. 7Zvino Jesu akati kwaari: Ini ndichauya ndimuporese. 8Mukuru wezana akapindura akati: Ishe, handina kufanira kuti mupinde pasi pedenga rangu remba; asi taurai shoko chete, zvino muranda wangu achaporeswa. 9Nokuti neniwo ndiri munhu ari pasi pesimba, ndine mauto pasi pangu; zvino ndinoti kune uyu: Enda; anoenda; nekune umwe: Uya; anouya; nekumuranda wangu: Ita ichi; anoita. 10Jesu wakati achizvinzwa akashamisika, akati kune vaimutevera: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Handina kuwana rutendo rukuru rwakadai kunyange pakati paIsraeri. 11Zvino ndinoti kwamuri: Vazhinji vachauya vachibva kumabvazuva nemavirira, vachagara pakudya naAbhurahama, naIsaka, naJakobho, muushe hwekumatenga; 12asi vana veushe vachakandirwa kunze kurima rekunze kwekupedzisira; ikoko kuchava nekuchema nekugeda-geda kwemeno. 13Zvino Jesu akati kumukuru wezana: Enda, zviitirwe kwauri sezvawakatenda. Muranda wake akapora nenguva iyoyo.

Jesu anoporesa mai vemukadzi waPetro

14Jesu wakati apinda mumba maPetro, akaona mai vemukadzi wake vakaradzikwa vane fivhiri. 15Akabata ruoko rwavo, fivhiri ikabva kwavari; vakasimuka vakavashandira.

16Zvino ava madekwani vakauisa kwaari vazhinji vaiva vakagarwa nemadhimoni; akabudisa mweya neshoko, akaporesa vese vairwara; 17kuti zvizadziswe zvakataurwa naIsaya muporofita achiti: Iye wakatora utera hwedu, akatakura matenda edu.

Kutevera Jesu

18Jesu wakati achiona zvaunga zvikuru zvakamukomba, akaraira kuti vabve vaende mhiri. 19Umwe munyori ndokuswedera akati kwaari: Mudzidzisi, ndichakuteverai kwese kwamunoenda. 20Zvino Jesu akati kwaari: Makava ane mwena, neshiri dzedenga matendere; asi Mwanakomana wemunhu haana paangatsamhidza musoro. 21Umwe wevadzidzi vake akati kwaari: Ishe, ndiregei nditange ndaenda ndinoviga baba vangu. 22Asi Jesu wakati kwaari: Nditevere, urege vakafa vavige vakafa vavo.

Jesu anonyaradza dutu remhepo

23Zvino wakati apinda muchikepe, vadzidzi vake vakamutevera. 24Zvino tarira, dutu guru remhepo rakamuka mugungwa, zvekuti igwa rakange rofukidzwa nemafungu; asi iye wakange arere. 25Zvino vadzidzi vake vakaswedera vakamumutsa vachiti: Ishe, tiponesei, toparara! 26Zvino akati kwavari: Munotyirei, imwi verutendo rudiki? Ndokusimuka, akatsiura mitutu negungwa; kudzikama kukuru kukavapo. 27Asi vanhu vakashamisika vachiti: Uyu munhu rudzii kuti kunyange mitutu negungwa zvinomuteerera?

Jesu anobudisa madhimoni panyika yevaGerigesi

28Wakati asvika kune rimwe divi kunyika yeVaGerigesi, vakamuchingamidza vaviri vaiva vakagarwa nemadhimoni, vachibuda kumarinda, vane hasha kwazvo-kwazvo, zvekuti kwakange kusina munhu waigona kupfuura nenzira iyo. 29Zvino tarira, vakadanidzira vachiti: Tinei nemwi, Jesu, Mwanakomana waMwari? Mauya pano kuzotirwadzisa nguva isati yasvika here? 30Zvino kure navo kwakange kune boka renguruve zhinji richifura. 31Madhimoni akamugombetedza achiti: Kana muchitibudisa, titenderei kuti tiende tinopinda muboka renguruve. 32Zvino akati kwaari: Endai. Zvino akati abuda, akapinda muboka renguruve; zvino tarira, boka rese renguruve rakapitirikira kumateru kugungwa, dzikafira mumvura. 33Zvino vaidzifudza vakatiza, vakaenda kuguta, vakapira zvese uye zvevakange vane madhimoni. 34Zvino tarira, guta rese rakabuda kunochingamidza Jesu; zvino vakati vamuona, vakagombetedza kuti abve pamiganhu yavo.

Copyright information for Shona